Vapupuri veBhuku raMormoni Onawo Bhuku raMormoni; Mupupuri Ishe vakataurira vamwe kunze kweMuporofita Joseph Smith kuti vapupure humwari hweBhuku raMormoni (D&Z 17; 128:20). Onai uchapupu hwevapupuri ava “muChisumo” pamberi peBhuku raMormoni. Nemashoko evatatu ndichamisa shoko rangu, 2 Ni. 11:3. Vapupuri vanotakura uchapupu hweshoko rake kuvana vevanhu, 2 Ni. 27:12–13. Mumiromo yevapupuri vatatu zvinhu izvi zvichamiswa, Eta 5:4. Nerutendo Vapupuri Vatatu vachaona mahwendefa, D&Z 17.