Amai Onawo Eva; Mhuri; Vabereki Zita rinoera rinotaura mudzimai anobereka kana kutora vana vasiri vekubereka iye pachake ovaita vake. Vana amai vanobatsira Mwari muhurongwa hwavo nokupa muviri unofa kuvana vaMwari vemweya. Adama akatumidza zita remukadzi wake kuti Eva, nokuti aive amai vezvose zvipenyu, Gen. 3:20 (Mos. 4:26). Kudza baba vako namai vako, Eks. 20:12 (VaE. 6:1–3; Mosaya 13:20). Musasiye mutemo waamai venyu, Zir. 1:8. Munhu akapusa anoshora amai vake, Zir. 15:20 (Zir. 10:1). Musashore amai venyu kana vachembera, Zir. 23:22. Vana vake nemurume wake vanosimuka vomudaidza kuti akaropafadzwa, nemurume wake anomurumbidza, Zir. 31:28. Amai vaJesu vakamira padyo nemuchinjikwa, Joh. 19:25–27. Zviuru zviviri zvemauto emaRamani vakanga vadzidziswa navamai avo, Aru. 56:47 (Aru. 57:21). Amai vedu vanobwinya Eva vakanga vari pakati pevakuru nevanesimba avo Ishe vavakaraira munyika yemweya, D&Z 138:38–39.