Kuponda Onawo Kaini; Kuranga nerufu Kuuraya munhu zvisiri pemutemo uchida. Kuponda chitadzo chinoshorwa kubvira panguva dzekutanga (Gen. 4:1–12; Mos. 5:18–41). Ani zvake anodeura ropa remunhu naiyewo ropa rake richadeurwa nemunhu, Gen. 9:6 (DJS, Gen. 9:12–13; Eks. 21:12; Aru. 34:12). Usauraye, Eks. 20:13 (Deut. 5:17; Mat. 5:21–22; Mosaya 13:21; D&Z 59:6). Jesu akati, musazoponda, Mat. 19:18. Mhondi dzichawana chinzvimbo chadzo mukufa kwechipiri, Zvaka. 21:8. Muri mhondi mumwoyo yenyu, 1 Ni. 17:44. Nhamo kumhondi inouraya ichida, 2 Ni. 9:35. Mwari vakataura kuti vanhu havafanire kuponda, 2 Ni. 26:32. Kuponda chinhu chinonyadzisa kuna Ishe, Aru. 39:5–6. Uyo anouraya haazowana kuregererwa, D&Z 42:18. Wose munhu anouraya anoendeswa kumirau yenyika, D&Z 42:79.