Hondo kuDenga Onawo Dare rekuDenga; Upenyu hwenyama husati hwavepo Kupesana kwakaitika kudenga muupenyu hwakateerwa nehuno pakati pevana vaMwari vemweya. Satani akakandwa kunze kwedenga kunyika, Zvaka. 12:4, 7–9. Dhiabhorosi nechikamu chimwechete pazvitatu zvedenga zvakakandwa pasi, D&Z 29:36–37. Rusifa akapandukira Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa, D&Z 76:25–26. Satani aitsvaka kubwinya kwaBaba nokuparadza kuzvifungira kwemunhu, Mos. 4:1–4 (Isa. 14:12–15; Abr. 3:27–28). Avo vakatevera Mwari vakachengetedza nzvimbo dzavo dzekutanga, vakauya pasi, vakatambira miviri, Abr. 3:26.