Zvibatsiro Zvekudzidza
Testamente yaKare


Testamente yaKare

Zvinyorwa zvemaporofita vechinyakare vaishanda vari pasi pekutunwa neMweya Mutsvene avo kwemazana mazhinji emakore vaipupura nezvaKristu nemharidzo yake yamangwana. Rinewo zvinyorwa zverungano rwaAbrahama nezvizvarwa zvake, kutangisa naAbrahama, nechibvumirano, kana uchapupu, Ishe hwavakaita naAbrahama nevana vake.

Mabhuku ekutanga mashanu emuTestamente yaKare akanyorwa naMosesi. Ndeaya Genesi, Eksodo, Revitiko, Numeri, Deuteronomio. Genesi rinotaura nezvekutanga kwepasi, rudzi rwemunhu, mitauro, marudzi, nokutanga kwemba yaIsraeri.

Mabhuku nhoroondo anotaura nezvaiitika muIsraeri. Mabhuku aya ndeaya Joshua, Vatongi, Rute, Ⅰ naⅡ Samueri, Ⅰ naⅡ Madzimambo, Ⅰ naⅡ Makoronike, Ezera, Nehemia, naEstere.

Mabhuku enhetembo anotaura zvimwe zveuchenjeri nezvinyorwa zvemaporofita. Ndeaya Jobo, Mapisarema, Zvirevo, Muparidzi, Rwiyo rwaSoromoni, Mariro aJeremia.

Maporofita vaiyambira Israeri pamusoro pezvitema zvavo vachipupura pamusoro pemaropafadzo anobva mukuteerera. Vaiporofita nezvekuuya kwaKristu, uyo aizoripira zvitadzo zveavo vanotendeuka, otambira zvisungo, achigara zviri maererano nevhangeri. Mabhuku emaporofita ndiIsaya, Jeremia, Ezekieri, Danieri, Hosea, Joere, Amosi, Obadia, Jona, Mika, Nahumi, Habakuki, Zefanaya, Hagai, Zekaria, naMaraki.

Mazhinji mabhuku emuTestamente yaKare akanyorwa nechiHeberu. Zvinyorwa zvishoma-shoma zvine Arami, mutauro wakada kutoredzera.