Rusununguko Onawo Hunhapwa; Kusununguka; Kuzvisarudzira Kunge uri panzvimbo kana chinhano chekukwanisa kuita kana kufunga wakasununguka. Kuteerera kumitemo yevhangeri kunosunungura munhu kubva muhusungwa hwechitadzo (Joh. 8:31–36). Ndichafamba murusununguko: nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu, Mpi. 119:45. Pane Mweya waIshe, pane rusununguko, Ⅱ VaKori. 3:17. Mirai makasimba murusununguko umo Kristu akatiita kuti tisununguke, VaG. 5:1 (D&Z 88:86). Vanhu vakasununguka kusarudza rusununguko neupenyu hwokusingaperi, 2 Ni. 2:27. Ino nyika ichave nyika yerusununguko, 2 Ni. 10:11. Moronai akadyara mureza werusununguko pakati pemaNifai, Aru. 46:36. Ishe nevaranda vavo vanodaidzira rusununguko kune mweya yakasungwa, D&Z 138:18, 31, 42.