Gwayana raMwari Onawo Dzikinura; Jesu Kristu; Paseka Zita reMuponesi rinotaura Jesu sechipiriso chakapirwa panzvimbo yedu. Anounzwa segwayana pachibairo, Isa. 53:7 (Mosaya 14:7). Onai Gwayana raMwari, iro rinobvisa zvitadzo zvenyika, Joh. 1:29 (Aru. 7:14). Imi makanunurwa neropa rinokosha raKristu, segwayana risina kavara, â… Â Pet. 1:18–20. Rakakodzera Gwayana rakauraiwa, Zvaka. 5:12. Tinokunda Satani neropa reGwayana, Zvaka. 12:11. Ava ndivo vakaitwa vachena muropa reGwayana, pamusana perutendo rwavo maari, 1 Ni. 12:11. Gwayana raMwari ndiye Mwanakomana waBaba Vokusingaperi, uye ari Muponesi wepasi, 1 Ni. 13:40 (1 Ni. 11:21). Chemai zvikuru kuna Baba muzita raJesu, kuti zvimwe mungasukwe neropa reGwayana, Morm. 9:6 (Zvaka. 7:14; Aru. 34:36). Mwanakomana weMunhu ndiye Gwayana rakauraiwa kubva pakutanga kwenyika, Mos. 7:47.