Zvibatsiro Zvekudzidza
Jakobo, Munin’ina waIshe


Jakobo, Munin’ina waIshe

MuTestamente Itsva, munini’na waIshe (VaG. 1:19) newa Josesi, Simoni, Judasi, nedzimwe hanzvadzi (Mat. 13:55–56; Marko 6:3; Jud. 1:1). Aizivakanwawo nokunzi Jakobo akarurama uye akange aiine chinzvimbo chaikosha muChechi muJerusarema (Mabasa 12:17; 15:13; Ⅰ VaKori. 15:7; VaG. 2:9–12). Angangove ndiye akanyora rugwaro rwaJakobo.

Rugwaro rwaJakobo

Bhuku riri muTestamente Itsva. Pakutanga yaive tsamba yakanga yakanyorerwa kumarudzi gumi nemaviri eIsraeri akanga akapararira kure uyezve ingangove yakanyorwa ichibva Jerusarema. Rugwaro urwu rwune zvinhu zvakanyatso tsanangurwa pachena nezvechitendero, zvichisanganisa kuraira kunokosha kuri muchitsauko 1 chinoti kana munhu asina ungwaru, akafanira kubvunza Mwari kuti ayamurwe (Jkb. 1:5–6; Nh—JS 1:9–20). Chitsauko 2 chinotaura nezverutendo nemabasa. Zvitsauko 3–4 zvinotaura nezvekuda kuti tibate rwurimi rwedu nokuyambira Vatendi kuti vasataure zvakaipa pamusoro pevamwe. Chitsauko 5 chinokuridzira Vatendi kuve nokushivirira nokudaidza vakuru kuti varopafadze vanorwara; chinodzidzisawo nezvemaropafadzo ekuyamura kutendeudza vamwe.