MuchiGiriki, Muapositori zvinoreva “akatumwako.” Ndiro zita Jesu raakapa kune vaneGumi neVaviri avo vaakasarudza akavagadza kuti vave vadzidzi vake vepedyo pedyo naye nevayamuri panguva yekuparidza kwake pano pasi (Ruka 6:13; Joh. 15:16). Akavatuma kuti vave vamiriri vake nokumushandira iye mushure mekukwira kwake kudenga. Zvose, panguva yekare ne muChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri muChechi yakadzorerwa nhasi uno, Muapositori mupupuri anokosha waJesu Kristu, pasi pose kuti apupure pamusoro pehumwari hwake nekumuka kwake kuvakafa (Mabasa 1:22; D&Z 107:23).
Kusarudzwa kweVaapositori
Vaapositori vanosarudzwa naIshe (Joh. 6:70; 15:16).