Mwoyo Murefu Onawo Akapfava; Tsungirira Kushingirira kwakadzikama; kugona kushingirira dambudziko, kutukwa, kana kukuvara pasina kunyunyuta kana kudzorera. Zororai munaIshe, mugomumirira nemwoyo murefu, Mpi. 37:7–8. Uyo anononoka kushatirwa anekunzwisisa kukuru, Zir. 14:29. Mumwoyo murefu wenyu batai imi mweya yenyu, Ruka 21:19. Tine tariro pamusana pemwoyo murefu nekunyaradzwa nemagwaro matsvene, VaR. 15:4. Ivai vateveri veavo pamusana perutendo nemwoyo murefu vanodya nhaka yezvivimbiso, VaH. 6:12–15. Regai mwoyo murefu uve nebasa rawo rakakwana, kuti imi mugove vakakwana vakazara, Jkb. 1:2–4. Makanzwa nezve mwoyo murefu waJobo, Jkb. 5:11. Vakazvipira nokufara nemwoyo murefu kune zvose zvido zvaIshe, Mosaya 24:15. Makazvitakura zvose zvinhu izvi nemwoyo murefu nokuti Ishe vaive nemi, Aru. 38:4–5. Rambai muri mumwoyo murefu kudakara mave makwaniswa, D&Z 67:13.