Bhishopi Onawo Hupirisita hwaAroni Zvinoreva kuti “mutariri,” hofisi kana chinzvimbo chebasa. Hubhishopi chinzvimbo chinogadzwa muHupirisita hwaAroni (D&Z 20:67; 107:87–88), uye bhishopi mutongi ari muIsraeri (D&Z 107:72, 74). Mweya Mutsvene wakakuitai vatariri, Mabasa 20:28. Zvikodzerwa zvakamisirwa mabhishopi, Ⅰ Tim. 3:1–7 (Tito 1:7). Bhishopi anofanira kugadzwa, D&Z 20:67. Edward Partridge aifanira kushanda sabhishopi weChechi, D&Z 41:9. Bhishopi anoongorora zvipo zvemweya, D&Z 46:27, 29. Mupirisita wepamusoro anokwanisa kutora nzvimbo yabhishopi, D&Z 68:14, 19 (D&Z 107:17). Bhishopi anosarudzwa naIshe, D&Z 72:1–26. Bhishopi anofanira kuchengeta varombo, D&Z 84:112. Bhishopi anofanira kutarisa zvose zvinhu zvenyama, D&Z 107:68. Bhishopi ndiye mukuru weHupirisita hwaAroni, D&Z 107:87–88.