Tariro Onawo Rutendo Ruvimbo rwekutarisira nokushuva maropafadzo akavimbiswa ekururama. Magwaro matsvene kazhinji anotaura nezvetariro sekutarisira upenyu hwokusingaperi kuburikidza nerutendo muna Jesu Kristu. Akaropafadzwa munhu uyo akaita tariro yake Ishe, Jer. 17:7. Ishe vachave tariro yevanhu vavo, Joere 3:16. Tine tariro kuburikidza nemwoyo murefu nemagwaro matsvene, VaR. 15:4. Mwari vakatiberekera mutariro mhenyu mukumuka kuvakafa kwaKristu, â… Â Pet. 1:3. Wose munhu ane tariro iyi anozvichenesa pachake, â… Â Joh. 3:2–3. Makafanira kusaidzira mberi, muine chiedza chizere chetariro, 2 Ni. 31:20. Onai kuti mune rutendo, tariro, nerudo rwakadzama, Aru. 7:24 (â… Â VaKori. 13:13; Moro. 10:20). Ndinodisa kuti dai maiterera kumazwi angu, muine tariro yekuti muchatambira upenyu hwokusingaperi, Aru. 13:27–29. Kana muine rutendo, munotarisira zvinhu zvisingawonekwe, zviri zvechokwadi, Aru. 32:21 (VaH. 11:1). Tariro inouya nerutendo uye yoita musimboti kumweya, Eta 12:4 (VaH. 6:17–19). Munhu akafanira kutarisira kana haangagone kutambira nhaka, Eta 12:32. Mormoni akataura pamusoro perutendo, tariro, nerudo rwakadzama, Moro. 7:1. Muchatarisira kuburikidza nerudzikinuro rwaJesu Kristu kuti mumutswe kuupenyu hwokusingaperi, Moro. 7:40–43. Mweya Mutsvene unokuzadzai netariro, Moro. 8:26 (VaR. 15:13). Vakabva muupenyu hwekufa, vakasimba mutariro yekumuka kuvakafa kune kubwinya, D&Z 138:14.