Barami Muporofita muTestamente yaKare aida kutuka vaIsraeri kuti apihwe mari. Akataurirwa naIshe kuti asatuke Israeri (Num. 22–24). Mbongoro yaBarami yakaramba kufamba nokuti ngirozi yakanga yakamira munzira mayo, Num. 22:22–35.