Mununuri Onawo Jesu Kristu; Muponesi Jesu Kristu ndiye Mununuri mukuru werudzi rwevanhu pamusana pekuti iye, kuburikidza nerudzikinuro rwake, akabhadhara mutengo wezvitadzo zvemarudzi evanhu akaita kuti zvikwanisike kumutswa kuvakafa. Ishe idombo rangu nemununuri wangu, â…¡Â Sam. 22:2 (Mpi. 18:2; 144:2). Ndinoziva kuti mununuri wangu mupenyu, Jobo 19:25. Ndiwe ruyamuro rwangu nemununuri wangu, Mpi. 40:17 (Mpi. 70:5). Ndichakuyamura, vanodaro mununuri wangu, Mutsvene waIsraeri, Isa. 41:14 (Isa. 43:14; 48:17; 54:5; 59:20). Ini Ishe ndiri Muponesi wako neMununuri wako, Isa. 49:26 (Isa. 60:16). Daidzai zita rake kuti Jesu: nokuti achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo, Mat. 1:21. Mwanakomana wemunhu akauya kuzopa upenyu hwake sumuripo wevazhinji, Mat. 20:28 (â… Â Tim. 2:5–6). Ishe Mwari waIsraeri vakashanyira nekununara vanhu vavo, Ruka 1:68. Takayananiswa naMwari pamusana perufu rweMwanakomana wavo, VaR. 5:10. Mununuri achauya achibuda muZioni, VaR. 11:26. Jesu Kristu akazvipira pamusana pedu, kuti atinunure kubva mukuipa kwose, Tito 2:13–14. Jesu Kristu akatigeza kubva muzvitema zvedu muropa rake, Zvaka. 1:5. Rununuro rwunouya nekuna nekuburikidza naMesia Mutsvene, 2 Ni. 2:6–7, 26. Mwanakomana akatora paari kuipa kwevanhu nekutadza kwavo, akavanunura, akagutsa zvinodiwa nekutonga kwakanaka, Mosaya 15:6–9, 18–27. Kristu akauya kuzonunura vose avo vanoda kubhabhatidzwa mukutendeuka, Aru. 9:26–27. Achauya munyika kuzonunura vanhu vake, Aru. 11:40–41. Rununuro rwunouya kuburikidza nekutendeuka, Aru. 42:13–26. Jesu Kristu akauya kuzonunura nyika, Hir. 5:9–12. Kristu akanunura rwudzi rwevanhu kubva murufu rwenyama nerwemweya, Hir. 14:12–17. Rununuro rwunouya nekuna Kristu, 3 Ni. 9:17. Ndini ndakanga ndakagadzirirwa kubvira kumavambo enyika kununura vanhu vangu, Eta 3:14. Ishe mununuri venyu vakatambudzwa nerufu rwenyama, D&Z 18:11. Kristu akatambudzikira vose kana vakatendeuka, D&Z 19:1, 16–20. Vana vadiki vanonunurwa nemune Mumwechete Akaberekwa, D&Z 29:46. Ndatumira Mwanakomana wangu Mumwechete Akaberekwa munyika kuti kuve nerununuro rwenyika, D&Z 49:5. Kristu ndiye mwenje neMununuri wenyika, D&Z 93:8–9. Joseph F. Smith akagashira chiratidzo cherununuro rwevakafa, D&Z 138. Vatendi vakabvuma Mwanakomana waMwari seMununuri neMuponesi wavo, D&Z 138:23. Tinodaira kuti nemuRudzikinuro rwaKristu, marudzi evanhu ose angangoponeswa, Mis. yeCh. 1:3.