Kutsveneswa Onawo Dzikinura; Jesu Kristu; Natsa Tsika yekuve wakasununguka kubva muchitadzo, usina uipi, wakachena, uye mutsvene kuburikidza nerudzikinuro rwaJesu Kristu (Mos. 6:59–60). Mwari vakusarudzai kuruponeso kuburikidza nekutsveneswa kweMweya, Ⅱ VaT. 2:13. Tinotsveneswa kuburikidza nokupirwa kwemuviri waKristu, VaH. 10:10. Jesu akatambudzika kuti atsvenese vanhu neropa rake, VaH. 13:12. Vapirisita vepamusoro vakatsveneswa uye nhumbi dzavo dzikagezwa dzikave chena kuburikidza neropa reGwayana, Aru. 13:10–12. Rutsveneswo rwunouya kune avo vanopira mwoyo yavo kuna Mwari, Hir. 3:33–35. Tendeukai kuti mugocheneswa nokugashira Mweya Mutsvene, 3 Ni. 27:20. Rutsveneso kuburikdza nenyasha dzaJesu Kristu dzakarurama nderwechokwadi, D&Z 20:31. Jesu akauya kuzochenesa nyika, D&Z 76:41. Zvitsvenesei kuti pfungwa dzenyu dzive pamwechete naMwari, D&Z 88:68.