Mutsvene Onawo Chakachena; Hutsvene; Kutsveneswa Chinoera, kuve nehunhu hweHumwari kana kuve vakachena pamweya nehunhu. Pasina hutsvene pane kuzvidzika kana kusviba. Muchave kwandiri umambo hwevapirisita, nerudzi rutsvene, Eks. 19:5–6 (â… Â Pet. 2:9). Ishe vakaraira Israeri: Iva mutsvene, nokuti ini ndiri mutsvene, Rev. 11:44–45. Avo vane maoko akashambidzika nemwoyo wakachena vachamira munzvimbo yavo tsvene, Mpi. 24:3–4. Dzidzisa vanhu vangu mutsauko uri pakati pevatsvene nevakasviba, Ezk. 44:23. Mwari vakatidaidza nekudaidzwa kutsvene, â…¡Â Tim. 1:8–9. Kubvira pahwana hudiki wakaziva magwaro matsvene, â…¡Â Tim. 3:15. Vanhu vatsvene vaMwari vaitaura sekutunhwa kwavaiitwa neMweya Mutsvene, â…¡Â Pet. 1:21. Vose vanhu vachatongwa maererano nechokwadi nehutsvene huri muna Mwari, 2 Ni. 2:10. Munhu wenyama anove Mutendi kuburikidza nerudzikinuro rwaKristu, Mosaya 3:19. Fambai muhurongwa hutsvene hwaMwari, Aru. 7:22 (Aru. 13:11–12). Vadzidzi vatatu vakacheneswa munyama uye vakaitwa vatsvene, 3 Ni. 28:1–9, 36–39. Musatambe nezvinhu zvinoera, D&Z 6:12. Hamunganyore icho chinoera kunze kwekunge chapihwa kwamuri kubva kwandiri, D&Z 9:9. Muchazvisunga kuti muiite muhutsvene hwose, D&Z 43:9. Vadzidzi vangu vachamira munzvimbo tsvene, D&Z 45:32. Icho chinouya kubva kumusoro chinoera, D&Z 63:64. Vana vadiki vatsvene, D&Z 74:7. Ipire nzvimbo iyi uye ichaitwa tsvene, D&Z 124:44. Ishe vachaunganidza vakasarudzwa vake muguta dzvene, Mos. 7:62.