Ndimi, Chipo che Onawo Rurimi; Zvipo zveMweya Chipo cheMweya Mutsvene icho chinobvumira vanhu vakafemerwa kutaura nekunzwisisa, kana kuturikira mitauro usingazivikanwe. Tinodaira muchipo chendimi (Mis. yeCh. 1:7). Vose vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, Mabasa 2:4. Uyo anotaura nerurimi rwusingazivikanwe haataure kuvanhu, asi kuna Mwari, â… Â VaKori. 14:1–5, 27–28. Ndimi ndedze chiratidzo kune avo vasingadaire, â… Â VaKori. 14:22–28. Zvino kwouya rubhabhatidzo rwemoto nerweMweya Mutsvene; uye ipapo ndipo pamunozogona kutaura nerurimi rwengirozi, 2 Ni. 31:13–14. Amarekai akakumbira vanhu vose kuti vatende chipo chekutaura nendimi, Omu. 1:25. Zvinopiwa kune vamwe kuti vataure nendimi; kune mumwe kuturikira ndimi, D&Z 46:24–25 (â… Â VaKori. 12:10; Moro. 10:8, 15–16). Regai chipo chendimi chidururwe, D&Z 109:36.