Tadzira Kutyora mutemo wakarurama, kutadza, kana kukanganisa kana kukuvadza, nokusafadza kana kugumbura. Hama yagumburwa yakaoma kuidzora kupfuura guta rakasimba, Zir. 18:19. Kana ziso rako rekurudyi richikugumbura, ritubure, Mat. 5:29. Ani zvake achagumburisa mumwe weava vadiki avo vanodaira mandiri, zvingave nani kuti anyure mugungwa, Mat. 18:6 (D&Z 121:19–22). Kana mukoma kana munin’ina kana hanzvadzi yako akakutadzira uye akareurura, muchayananiswa, D&Z 42:88. Hakuna chinogumbura Mwari muvanhu kunze kweavo vasingatende ruoko rwavo uye vasingateerere miraro yavo, D&Z 59:21.