Upenyu hwenyama Onawo Kupunzika kwaAdama naEva; Muviri; Nyika; Rufu, rwenyama Nguva yekubva pakuzvarwa kusvika pakufa kwenyama. Iyi inodaidzwa dzimwe nguva kuti chinhanho chechipiri. Muzuva rauchaudya zvechokwadi uchafa, Gen. 2:16–17 (Mos. 3:16–17). Pakufa mweya uchadzokera kuna Mwari uye muviri kuvhu renyika, Mpa. 12:7 (Gen. 3:19; Mos. 4:25). Musarege chitadzo chichitonga mumuviri wenyu unofa, VaR. 6:12. Muviri wenyama wakafanira kupfeka kusafa, â… Â VaKori. 15:53 (Eno. 1:27; Mosaya 16:10; Morm. 6:21). Chinhanho chemunhu chakave chinhano chekuedzwa, 2 Ni. 2:21 (Aru. 12:24; 42:10). Adama akapunzika kuti vanhu vaveko, 2 Ni. 2:25. Unotarisira mberi here uchiona muviri unofa uyu uchimutswa mukusafa? Aru. 5:15. Upenyu huno inguva yekukugadzirira kuti tisangane naMwari, Aru. 34:32. Musatye rufu, nokuti kufara kwenyu hakuna kuzara munyika muno, D&Z 101:36. Avo vanochengeta chinhano chavo chechipiri vachawana kubwinya, Abr. 3:26.