Mhosva, Kuva ne Onawo Rutendeuko Kunge waita zvakaipa, kana zvaunonzwa zvinokusuwisa zvakafanira kuperekedzana nechitadzo. Atadza uye ane mhosva, Rev. 6:1–6. Ani zvake achadya sakaramende asina kukodzera ane mhosva yemuviri neropa raJesu, â… Â VaKori. 11:27. Vane mhosva vanotora chokwadi sechakaoma, 1 Ni. 16:2. Tichave neruzivo rwakakwana rwekuve nemhosva dzedu dzose, 2 Ni. 9:14. Kuve nemhosva kwangu kwakatsvairwa, Eno. 1:6. Kwakave nekurangwa kwakagadzirwa, kwakaunza kurwadziwa kwepfungwa, Aru. 42:18. Regai zvitadzo zvenyu zvikutambudzei, nedambudziko iroro richakudzikisai kurutendeuko, Aru. 42:29. Vamwe venyu vane mhosva pamberi pangu, asi ndichave netsitsi, D&Z 38:14. Mwanakomana waMwari akatidzikinura mumhoswa yekutanga, Mos. 6:54.