Kutonga Onawo Jesu Kristu—Mutongi; Kupomera; Kutonga, Kwekupedzisira Kupima tsika zvakanangana nehurongano hwevhangeri; kufunga; kuziva chakanaka kubva kune chakaipa. Mosesi akagara kuti atonge vanhu, Eks. 18:13. Mukururama uchatonga muvakidzani wako, Rev. 19:15. Musatonge, kuti imi musatongwe, Mat. 7:1 (DJS, Mat. 7:1–2; Ruka 6:37; 3 Ni. 14:1). Sevakatadza vari mumurau vachatongwa nemurau, VaR. 2:12. Vatendi vachatonga nyika, â… Â VaKori. 6:2–3. Mwanakomana waMwari wokusingapere akatongwa nenyika, 1 Ni. 11:32. Vaapositori vaneGumi neVaviri veGwayana vachatonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri, 1 Ni. 12:9 (D&Z 29:12). Rufu, gehena, dhiabhorosi, neizvo zvakatorwa imomo zvakafanira kutongwa, 2 Ni. 28:23 (1 Ni. 15:33). Kana mukatonga munhu anoisa chichemo chake kwamuri cheruyamuro, kupihwa mhosva kwenyu kunenge kwakarurama sei nokuramba kuyamura kwenyu, Mosaya 4:22. Vanhu vachatongwa maererano nemabasa avo, Aru. 41:3. Tongai nokururama, uye muchawana kunaka kwadzorerwa kwamuri zvakare, Aru. 41:14. Mumabhuku achanyorwa ndimo muchabva kutongwa kwenyika, 3 Ni. 27:23–26 (Zvaka. 20:12). Vakasara vevanhu ava vachatongwa negumi nevaviri avo vakasarudzwa naJesu munyika muno, Morm. 3:18–20. Mormoni akatsanangura nzira yekutonga zvakanaka kubva kune zvakaipa, Moro. 7:14–18. Isai ruvimbo rwenyu muMweya uyo unotungamira kuti mutonge zvakarurama, D&Z 11:12. Makafanira kutaura mumwoyo yenyu kuti—regai Mwari vatonge pakati pangu newe, D&Z 64:11. Chechi yaIshe ichatonga marudzi, D&Z 64:37–38. Mwanakomana akashanyira mweya mutirongo kuti vagotongwa maererano nevanhu venyama, D&Z 76:73 (â… Â Pet. 4:6). Bhishopi achave mutongi wevese, D&Z 107:72–74. Ishe vachatonga vose vanhu maererano nemabasa avo, maererano nechido chemwoyo yavo, D&Z 137:9.