Nyika yeChipikirwa Nyika idzo Ishe anovimbisa senhaka kuvateveri vake vakatendeka, uye kazhinjiwo nekuzvizvarwa zvavo. Kune nyika zhinji dzakavimbiswa. Kazhinji muBhuku raMormoni, nyika yakavimbiswa iAmerica. Kumbeu yako ndichapa nyika iyi, Gen. 12:7 (Abr. 2:19). Ndichapa kwauri nekumbeu yako nyika yeKanani, Gen. 17:8 (Gen. 28:13). Mosesi akadoma miganhu yenyika kuitira Israeri muKanani, Num. 34:1–12 (Num. 27:12). Muchatungamirirwa kunyika yechivimbiso, 1 Ni. 2:20 (1 Ni. 5:5). Ishe vanotungamirira vakarurama munyika dzinokosha, 1 Ni. 17:38. Kana zvizvarwa zvaRihai zvikachengeta mitemo yaMwari, vachabudirira munyika yechipikirwa, 2 Ni. 1:5–9. Israeri ichadzokera kunyika dzavo dzechipikirwa, 2 Ni. 24:1–2 (Isa. 14:1–2). Rudzi rwupi zvarwo rwunenge rwatora nyika yechipikirwa iyi rwunofanira kushandira Mwari kana kuti vangatsvairwe, Eta 2:9–12. Iyi ndiyo nyika yechipikirwa, uye iri iyo nzvimbo yeguta reZioni, D&Z 57:2. Juda angangotanga kudzokera kunyika dzaAbrahama, D&Z 109:64. Jerusarema Idzva richavakwa pamusoro penyika yeAmerica, Mis. yeCh. 1:10.