Kudavira Onawo Kuzvisarudzira Ishe vakati vose vanhu vanozvidairira pazvinangwa zvavo, mafungiro, zvido, nezviito. Zera rekugona kuzvifungira izera rinoonekwa kuti vana vadiki vave kukwanisa kuzvipindurira pane zvavanenge vaita nekukwanisa kuita chitadzo kana kutendeuka. Ndichatonga wose munhu mayererano nenzira dzake, Ezk. 18:30. Vachapa rondedzero pamusoro peshoko rose risina maturo, Mat. 12:36. Parondedzero yehutariri hwako, Ruka 16:2. Mumwe nomumwe wedu acharondedzera zvaari kuna Mwari, VaR. 14:12. Vakafa vachatongwa maererano nemabasa avo, Zvaka. 20:12. Mashoko edu, mabasa edu, nepfungwa dzedu zvichatipomera, Aru. 12:14. Tiri vatongi kwatiri pachezvedu, mukuita zvakanaka kana zvakaipa, Aru. 41:7. Munobvumirwa kuzvimiririra, Hir. 14:29–31. Ichi ndichochinhu chamuchadzidzisa—kutendeuka nekubhabhatidzwa kune avo vose vanozvifungira, Moro. 8:10. Vose vakafanira kutendeuka vabhabhatidzwe avo vasvitsa makore ekuzvifungira, D&Z 18:42. Satani haagone kuyedza vana vadiki, kudakara vave kukwanisa kuzvifungira pamberi pangu, D&Z 29:46–47. Vana vadiki vachabhabhatidzwa kana vave nemakore masere ekuberekwa, D&Z 68:27. Wose munhu anozvipindurira pamusoro pezvitadzo zvake muzuva rekutongwa, D&Z 101:78. Zvinopiwa kuvanhu kuti vazive chakanaka nechakaipa; nokudaro vanozvisarudzira ivo pachavo, Mos. 6:56. Vanhu vacharangwa pamusoro pezvitadzo zvavo, Mis. yeCh. 1:2.