Nyama Onawo Munhu weNyama; Muviri; Upenyu hwenyama; Zvenyama Nyama inoreva zvakawanda: (1) nyama yakapfava inoita miviri yerudzi rwevanhu, mhuka, shiri, kana hove; (2) chinofa; kana (3) muviri kana hunhu hwemunhu wenyama. Nyama yeMuviri Mhuka dzichave nyama kwamuri, Gen. 9:3. Mhuka hadzifanire kungouraiwa zvisina chikonzero, DJS, Gen. 9:10–11 (D&Z 49:21). Mhuka neshiri ndezvevanhu kuti vadye nokushandisa sezvipfeko, D&Z 49:18–19 (D&Z 59:16–20). Takafanira kudya nyama zvine mwero, D&Z 89:12–15. Kufa Jesu ndiye mumwechete woga akaberekwa na Baba mukufa, Joh. 1:14 (Mosaya 15:1–3). Adama akave nyama yekutanga, Mos. 3:7. Kunzwa kwenyama mumunhu Anotukwa uyo munhu anoita nyama yake ruwoko, Jer. 17:5. Mweya unoda, asi nyama yakaneta, Marko 14:38. Kunzwa mwoyo kwenyama hakusi kwaBaba, â… Â Joh. 2:16. Nifai akasuwa pamusana penyama yake nokuipa kwake, 2 Ni. 4:17–18, 34. Musazviwadzanise pachenyu nadhiabhorosi nenyama, 2 Ni. 10:24.