Moronai, Mutungamiri Onawo Mucherechedzo werusununguko MuBhuku raMormoni, muNifai akarurama ari mutungamiri wemauto aigara kumakore 100 Kristu asati azvarwa. Moronai akasarudzwa kuita mutungamiri mukuru wemauto ose emaNifai, Aru. 43:16–17. Akatunha masoja emaNifai kuti ade kurwira rusununguko rwavo, Aru. 43:48–50. Akaita rupawo rwerusununguko nechipenga chebatyi rake, Aru. 46:12–13. Aive munhu waMwari, Aru. 48:11–18. Akashatirirwa hurumende nekushaya hany’a kwavo nerusununguko rwenyika, Aru. 59:13.