Huranganwa hwemuruvande Onawo Kaini; Makororo aGadhiandoni Musangano wevanhu vakabatanidzwa pamwechete nemhiko kuti vaite basa rakaipa rechikwata. Baba venhema vanomutsa vana vevanhu kuti vaite huranganwa muruvande, 2 Ni. 9:9. Ndinofanira kuti ndiparadze mabasa emuruvande erima, 2 Ni. 10:15. Kutonga kwaMwari kwakauya pamusoro pevashandi ava vehuranganwa hwemuruvande, Aru. 37:30. Gadhiandoni akange atokonzera kuparadzwa kwose kwevanhu vaNifai, Hir. 2:4–13. Satani akazviisa mumwoyo yevanhu kuti vaite mhiko nezvibvumirano muruvande, Hir. 6:21–31. Ishe havashande muhuranganwa hwemuruvande, Eta 8:19. Marudzi anoreverera huranganwa hwemuruvande achaparadzwa, Eta 8:22–23. Vakaramba mazwi ose emaporofita, pamusana pezvimibatanidzwa zvavo zvemuruvande, Eta 11:22. Kubvira mumazuva aKaini, kwakange kuine huranganwa hweruvande, Mos. 5:51.