Mharidzo paGomo
Hurukuro yaJesu Kristu kuvadzidzi vake avo vakanga vave pedyo kutumirwa kunoshumaira (Mat. 5–7; Ruka 6:20–49). Ishe vakapa mharidzo iyi shure kwokudaidza vaneGumi neVaviri.
Mharidzo iyi yakatsanangurwa naJoseph Smith Dudziro yeBhaibheri neimwe mharidzo yakafanana yakanyorwa muna 3 Ni. 12–14 inoratidza kuti zvidimbu zvinokosha zvemharidzo iyi zvakaraswa muchinyorwa chiri muna Mateo.