Chiva Onawo Ane Shanje; Kuchiva Maererano nemagwaro matsvene, kuda chimwe chinhu chine muridzi zvakaipa. Mapatiriaki, vabatwa neshanje, vakatengesa Josefa kuEgipita, Mabasa 7:9. Rudo haruite shanje, â… Â VaKori. 13:4 (Moro. 7:45). Shanje inouya nekuzvikudza, â… Â Tim. 6:4. Pane shanje, pane kuvhiringana nekabasa kose kakaipa, Jkb. 3:16. Ishe vakaraira kuti vanhu vasaite shanje, 2 Ni. 26:32. Pakange pasina shanje pakati pevanhu vaNifai, 4 Ni. 1:15–18. Shanje nehasha dzemunhu ndizvo zvange zviri zvangu mazuva ose eupenyu hwangu, D&Z 127:2.