Kusununguka Onawo Hunhapwa; Kuzvisarudzira; Rusununguko Simba kana kugona kusarudza zvako pasina kumanikidzwa. Mumweya, munhu uyo anotendeuka uye achiteerera chido chaMwari akasununguka kubva mumajoto echitadzo kuburikidza nerudzikinuro rwaJesu Kristu (Mosaya 5:8). Chokwadi chichaita kuti usununguke, Joh. 8:32. Avo vanove vakasunungurwa kubva muchitadzo vanogashira upenyu hwokusingaperi, VaR. 6:19–23. Bazi rakarurama remba yaIsraeri richabviswa muusungwa kuiswa murusununguko, 2 Ni. 3:5. Vakachemera kuna Ishe rusununguko rwavo, Aru. 43:48–50. Moronai akafadzwa murusununguko rwenyika yake, Aru. 48:11. Mweya waMwari mweya werusununguko, Aru. 61:15. Nditeverei, muchave vanhu vakasununguka, D&Z 38:22.