Uchapupu Onawo Mupupuri; Mweya Mutsvene; Pupura Izivo neuchapupu hwemweya unopiwa neMweya Mutsvene. Uchapupu hunogonawo kuve kutaura zviri pamurau kana kutaura zviri pamutemo maererano nezvinoonekwa nemunhu sechokwadi (D&Z 102:26). Ndinoziva kuti mununuri wangu mupenyu, Jobo 19:25–26. Musanyare uchapupu hwaIshe vedu, Ⅱ Tim. 1:8. Uchapupu hwaJesu mweya wechiporofita, Zvaka. 19:10. Mirai sevapupuriri vaMwari nguva dzose, Mosaya 18:9. Pakanga pasina nzira yekuponesa vanhu kunze kwekupupura kwavo zvakasimba pamusoro pavo, Aru. 4:19–20. Ndinazvo zvose zvinhu seuchapupu hunoti zvinhu izvi ndezvechokwadi, Aru. 30:41–44. Hamugamuchire uchapupu kusvika mushure mekuedzwa kwerutendo rwenyu, Eta 12:6. Handina kutaura runyararo kupfungwa dzenyu here? Mungawane uchapupu hukuru kuna ani kunze kwekuna Mwari? D&Z 6:22–23. Uye zvino, mushure meuchapupu hwakawanda hwaakapiwa, uhwu ndihwo uchapupu hwatinomupa, D&Z 76:22–24. Ndakakutumirai kunze kuti mupupure nekuyambira vanhu, D&Z 88:81–82. Vapupuri zvino vafa mhupuro yavo yave nesimba, D&Z 135:4–5. Enoki akaona ngirozi dzichipupura pamusoro paBaba neMwanakomana, Mos. 7:27. Kana dai ndakavengwa ndikanetswa pamusana pekutaura kuti ndakange ndaona chiratidzo, asika zvaive zvechokwadi, Nh—JS 1:24–25.