Areka Onawo Mafashamo muNguva dzaNoa; Mutswi; Noa, Tateguru vemuBhaibheri MuTestamente yaKare, ngarava yakavakwa naNoa kuchengetedza upenyu nguva dzemvura zhinji. Gadzira iwe areka yemuti unonzi mugofa, Gen. 6:14. Areka yakagara pamakomo eArarati, Gen. 8:4. Magwa evaJaredhi akanga asingapinde mvura akafanana neareka yaNoa, Eta 6:7.