Kunyepa Onawo Anovimbika; Hunyengedzi; Kutaura Zvakaipa Kwose kutaura kwemanyepo kana kusiri chokwadi kune chinangwa chekunyengedza. Musazoba, kana kuita zvekunyengedza, kana kunyepa, Rev. 19:11. Ndinovenga nekusada kunyepa, Mpi. 119:163. Miromo inonyepa chinyangadzo kuna Ishe, Zir. 12:22. Vanhu vangu avo vasinganyepe, Isa. 63:8. Dhiabhorosi munyepi nababa wemanyepo, Joh. 8:44 (2 Ni. 2:18; Eta 8:25; Mos. 4:4). Hamuna kunyepera vanhu, asi kuna Mwari, Mabasa 5:4 (Aru. 12:3). Kana munhu akati, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, munyepi, â… Â Joh. 4:20. Vose vanyepi vane nzvimbo murufu rwechipiri, Zvaka. 21:8 (D&Z 63:17). Nhamo kumunyepi, nokuti achakandirwa pasi kugehena, 2 Ni. 9:34. Vazhinji vachadzidzisa dzidziso yemanyepo, vachiti: nyepai zvishoma-shoma hapana chakaipa, 2 Ni. 28:8–9 (D&Z 10:25). Munofunga kuti munganyepere Ishe? Aru. 5:17. Muri Mwari vechokwadi uye hamunganyepe, Eta 3:12 (Num. 23:19; â… Â Sam. 15:29; Tito 1:2; VaH. 6:18; Eno. 1:6). Uyo anonyepa asingatendeuka acharasirwa kunze, D&Z 42:21. Vanyepi vachatora nhaka yekubwinya kwetiresitiyaro, D&Z 76:81, 103–106. Tinodaira mukuve vakavimbika, Mis. yeCh. 1:13.