Urimi neTumimi
Zvinhu zvakagadzirwa naMwari kuti zviyamure vanhu mukuwana kuzarurirwa nokududzirwa kwendimi. Mumutauro wechiHeberu mazwi aya anoreva “zviedza nezvakakwana.” Urimi neTumimi yaive nematombo maviri akaiswa muuta hwesiriveri uye dzimwe nguva zvinoshandiswa pamwechete nengwerengwa repachipfuva (D&Z 17:1; Nh—JS 1:35, 42, 52). Nyika ichave ziUrimi neTumimi guru mukucheneswa kwayo nemukusafa kwayo (D&Z 130:6–9).