Vakasarudzwa Vakasarudzwa ndeavo vanoda Mwari nemwoyo yavo yose uye vachigara upenyu hunofadza kwaari. Avo vanogara upenyu ihwohwo hwehudzidzi rimwe zuva vachazosarudzwa naIshe kuti vave pakati pevana vake vaakasarudza. Dai zvakwanisika, vachanyengedza vakasarudzwa chaivo, Mat. 24:24. Johane akafara nokuti vana vemudzimai akasarudzwa vaive pachokwadi uye vaine rutendo, Ⅱ Joh. 1. Zvitadzo zvako zvaregererwa, uye iwe wave mudzimai akasarudzwa, D&Z 25:3. Vakasarudzwa vangu vanonzwa izwi rangu uye havaomesi mwoyo yavo, D&Z 29:7. Kana naizvozvo ndichaunganidza vakasarudzwa vangu kubva kumativi mana enyika, D&Z 33:6. Magwaro matsvene achapihwa kuitira ruponeso rwevakasarudzwa vangu, D&Z 35:20–21. Avo vanokudza mabasa ehupirisita vachave vakasarudzwa naMwari, D&Z 84:33–34. Kuitira vakasarudzwa, mazuva ematambudziko achapfupikiswa, JS—Mat. 1:20.