Tsungirira Onawo Chiedzo; Matambudziko; Mwoyo Murefu Kuramba wakasimba mukuzvipira kuve wechokwadi kumirairo yaMwari kana dai kuine chiyedzo, kupikiswa, nedambudziko. Uyo anotsungirira kusvika kumagumo achaponeswa, Mat. 10:22 (Marko 13:13). Havana midzi uye saka vanotsungirira kwekanguva chete, Marko 4:17. Rudo rwunotsungirira zvose zvinhu, â… Â VaKori. 13:7. Mushure mekunge Abrahama atsungirira nemwoyo murefu, akawana chivimbiso, VaH. 6:15. Kana vakatsungirira kusvika kumagumo vachasimudzwa pazuva rekupedzisira, 1Â Ni. 13:37. Kana mukave munoteerera mirairo, uye muchitsungirira kusvika kumagumo, muchaponeswa, 1Â Ni. 22:31 (Aru. 5:13). Kana mukasaidzira muchienda mberi, muchinakirwa neshoko raKristu, uye muchitsungirira kusvika kumagumo, muchawana upenyu hwokusingaperi, 2Â Ni. 31:20 (3Â Ni. 15:9; D&Z 14:7). Ani nani anotora paari zita rangu, uye achitsungirira kusvika kumagumo, achaponeswa, 3Â Ni. 27:6. Ani zvake anotsungirira Chechi yangu kusvika kumagumo, iyeyo ndichamumisa padombo rangu, D&Z 10:69. Uyo anotsungirira ari murutendo achakunda nyika, D&Z 63:20, 47. Dzose ngundu nematunhu zvichagadzwa pane avo vose vakatsungirira nehumhare muvhangeri raJesu Kristu, D&Z 121:29.