Hupirisita Onawo Chitsidzo neChibvumirano cheHupirisita; Gadza; Hupirisita hwaAroni; Hupirisita hwaMerkizedeki; Kiyi dzeHupirisita; Mvumo; Simba Mvumo nesimba iro Mwari vanopa kumunhu kuti aiite zvinhu zvose muruponeso rwevanhu (D&Z 50:26–27). Nhengo dzechirume dzeChechi vane hupirisita vanorongwa muzvikwata uye vagopihwa mvumo yekuita zvisungo nezvimwe zvekufambisa basa muChechi. Kuzodzwa kwavo kuchave zvirokwazvo hupirisita hwarinhi-narinhi, Eks. 40:15 (Num. 25:13). Ndakugadza iwe, Joh. 15:16. Mavakirwa imba yemweya, hupirisita hutsvene, â… Â Pet. 2:5. Imi muri chizvarwa chakasarudzwa, hupirisita hweumambo, â… Â Pet. 2:9 (Eks. 19:6). Varume vanodaidzwa kuti vave vapirisita vepamusoro pamusana perutendo nemabasa avo akawandisa akanaka, Aru. 13:1–12. Ndinopa kwamuri simba rekubhabhatidza, 3 Ni. 11:21. Muchave nesimba rekupa MweyaMutsvene, Moro. 2:2. Ndicharatidza kwamuri hupirisita, nemuruoko rwaErija, D&Z 2:1 (Nh—JS 1:38). Ishe vakasimbisa hupirisita pana Aroni nembeu yake, D&Z 84:18. Hupirisita ukuru uhwu ndihwo hwunofambisa vhangeri, D&Z 84:19. Vakabvisa Mosesi pakati pavo, neHupirisita utsvene, D&Z 84:25. Chitsidzo nechibvumirano chehupirisita zvinotsanangurwa, D&Z 84:33–42. Hupirisita hwakaenderera mberi nokutevedza mutsetse wemadzibaba enyu, D&Z 86:8. Kune, hupirisita huviri, muChechi ino, D&Z 107:1. Hupirisita hwekutanga Hupirisita Hutsvene, uchiteedza hurongwa hweMwanakomana waMwari, D&Z 107:2–4. Kodzero dzehupirisita dzakabatana zvisinga patsanurike nemasimba edenga, D&Z 121:36. Hakuna simba kana hurudziro inga kana inogona kuchengetedzwa nekungoti hupirisita chete, D&Z 121:41. Wose ane rutendo, akakodzera ari nhengo yeChechi ari wechirume anogona kugashira hupirisita, D&Z Chirevo—2. Tinodaira kuti munhu akafanira kudaidzwa naMwari, Mis. yeCh. 1:5.