Kutsiga Onawo Akazvininipisa Tsika kana kuratidzika kuzvininipisa, kwakafanira, uye kwakatsiga. munhu akatsiga haadi zvakapfuuridza nezvekunyengedzera. Mwari vakaita nguwo yematehwe, uye akapfekedza Adama naEva, Gen. 3:21 (Mos. 4:27). Vakadzi vanozvishongedza nezvisimiro zvakafanira, â… Â Tim. 2:9. Ivai vanozvibata, makachena, vachengeti vemusha, Tito 2:5. Vazhinji vanosimudzwa mukuzvida pamusoro pekudhura kwenguwo dzavo, Jak. 2:13. Itai kuti nhumbi dzenyu dzose dzive dzisingashamise, D&Z 42:40. Tinodaira mukuve takachena tiine hunhu, Mis. yeCh. 1:13.