Zvibatsiro Zvekudzidza
Madzimambo


Madzimambo

Mabhuku maviri ari muTestamente yaKare. Mabhuku aya ane nhoroondo yerungano rwaIsraeri kubvira pakupanduka kwaAdonia, mwanakomana wechina waMambo Davidi (munana 1015 Kristu asati azvarwa), kusvika pahusungwa hwekupedzisira hwaJuda (munana 586 Kristu asati azvarwa). Anosanganisa rungano rwose rweumambo hwekuchamhembe (marudzi gumi aIsraeri) kubvira pakuparadzana kudakara maAsiria avatora muhunhapwa munyika dzekuchamhembe.

Madzimambo weKutanga

Chitsauko 1 chinotsanangura mazuva ekupedzisira eupenyu hwaMambo Davidi. Zvitsauko 2–11 zvine zveupenyu hwaSoromoni. Zvitsauko 12–16 zvinoudza nezvevakatora nzvimbo yaSoromoni pakarepo, Rehoboami naJeroboami. Jeroboami ndiye akakonzera kupatsurana kweumambo hwaIsraeri. Mamwe madzimambo anotaurwawo. Zvitsauko 17–21 zvine zvidumbu zvekuparidza kwaErija achitsiura Ahabi, mambo weIsraeri. Chitsauko 22 chinotaura nezvehondo neSiria umo munoti Ahabi naJehoshafati, mambo waJuda, vanobatanidza mawuto. Muporofita Mikaya anoporofita zvinopesana nemadzimambo.

Madzimambo weChipiri

Chitsauko 1:1–2:11 chinoenderera neupenyu hwaErija, kusanganisa nekukwira kwaErija kuenda kudenga ari mungoro yemoto. Zvitsauko 2–9 zvinotaura basa raErisha rerutendo nesimba guru. Chitsauko 10 chinotaura nezva Jehu, mambo, nokuparadza kwaakaita imba yaAhabi nevapirisita vaBaari. Zvitsauko 11–13 zvine zvekutonga kwakarurama kwaJehoashi norufu rwaErisha. Zvitsauko 14–17 zvinotaura nezvemadzimambo akasiyana siyana akatonga muIsraeri nemuJuda, kazhinji mukuipa. Chitsauko 15 chine zvekusungwa neAsiria kwemarudzi gumi eIsraeri. Zvitsauko 18–20 zvine zvekururama kweupenyu hwaHezekia, mambo weJuda, nemuporofita Isaya. Zvitsauko 21–23 zvinotaura nezvemadzimambo Manase naJosia. Maererano netsika, Manase ndiye aiziva nezvekufira vhangeri kwaIsaya. Josia aive mambo akarurama uyo akaisa zvakare murau mukati memaJuda. Zvitsauko 24–25 zvine zvinyorwa zvehusungwa hwekuBabironi.