Anetsitsi Onawo Dzikinura; Jesu Kristu; Nyasha; Regerera; Yenzaniso Mweya wenyasha, kupfava, nekuregerera. Tsitsi chimwe chezvinhu zviri pana Mwari. Jesu Kristu anotipa tsitsi nechipiro chake chekutidzikinura. Ishe vane tsitsi uye vanenyasha, Eks. 34:6 (Deut. 4:31). Tsitsi dzavo hadzina magumo nariinhi, â… Â Mak. 16:34. Kunaka netsitsi zvichanditevera, Mpi. 23:6. Uyo ane tsitsi kuvarombo anofara, Zir. 14:21. Ndakada tsitsi kwete mupiro, Hos. 6:6. Vakaropafadzwa vane tsitsi: nokuti vachawana tsitsi, Mat. 5:7 (3 Ni. 12:7). Nhamo kuvanyegedzi vanobvisa chegumi asi vachisiya nyaya dzinorema dzemutemo, kutonga, tsitsi nerutendo, Mat. 23:23. Saka ivai netsitsi, sezvo Baba venyu naivowo vaine tsitsi, Ruka 6:36. Kwete nemabasa edu ekururama, asi maererano netsitsi dzake akatiponesa, Tito 3:5. Tsitsi dzakapfava dzaIshe dziri kwose, 1 Ni. 1:20. Tsitsi hadzina chadzinoda pane uyo asingatendeuke, Mosaya 2:38–39. Mwari vane tsitsi kune avo vose vanotenda muzita ravo, Aru. 32:22. Tsitsi dzinogona kugutsa zvinodiwa nokutonga kwekuenzanisa, Aru. 34:16. Munofunga here kuti tsitsi dzingapambe ruenzaniso? Aru. 42:25 (Aru. 42:13–25). Vana vadiki vapenyu muna Kristu pamusana petsitsi dzake, Moro. 8:19–20 (D&Z 29:46). Ruoko rwaJesu Kristu rwenyasha rwaripira zvitadzo zvenyu, D&Z 29:1. Pamusana peropa randakadeura, ndakavakumbirira pamberi paBaba avo vanodaira muzita rangu, D&Z 38:4. Avo vakachengeta chibvumirano vachawana tsitsi, D&Z 54:6. Ini, Ishe ndinoregerera zvitadzo, uye ndinonzwira tsitsi avo vanoreurura zvitadzo zvavo nemwoyo yakapfava, D&Z 61:2. Ini, Ishe, ndinoratidza tsitsi kune vose vakazvirereka, D&Z 97:2. Uye uyo anogashira semwana mudiki, anogashira umambo hwangu, nokuti vachawana tsitsi, D&Z 99:3. Tsitsi dzichienda pamberi penyu uye, Mos. 7:31.