Pfungwa Onawo Kufunga Kwaniso dzepfungwa; simba repfungwa. Mushandire nemwoyo wakakwana nepfungwa inoda, â… Â Mak. 28:9. Idai Ishe Mwari venyu nepfungwa dzenyu dzose, Mat. 22:37. Kuve nepfungwa dzenyama rufu; kuve nepfungwa dzemweya upenyu hwokusingaperi, 2Â Ni. 9:39. Izwi raIshe rakauya mupfungwa mangu, Eno. 1:10. Shoko raive nesimba guru mupfungwa dzevanhu kupfuura bakatwa, Aru. 31:5. Ndichakuudza mupfungwa mako, D&Z 8:2. Zviongorore mupfungwa mako, D&Z 9:8. Regai zvakadzama zvinoyera zvekusingapere zvizorora pamusoro pepfungwa dzako, D&Z 43:34. Pfungwa dzenyu munguva dzakapfuura dzange dzine rima, D&Z 84:54. Endai kunorara nokukurumidza, mukai rungwanani kuti miviri nepfungwa dzenyu dzigosimbiswa, D&Z 88:124. Satani akange asingazive pfungwa yaMwari, Mos. 4:6. Ishe vakadaidza vanhu vavo kuti Zioni, pamusana pekuti vaive nemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete, Mos. 7:18.