Moto Onawo Bhabhatidza; Gehena; Mweya Mutsvene; Pasi—Kusukwa kwepasi pano Rupawo rwekusukwa, kucheneswa, kana kutsvindiswa. Moto unogona kuitawo serupawo rwekuvepo kwaMwari. Mwari venyu moto unodya, Deut. 4:24. Ishe vanoita vashandi vavo kuti vave rimi remoto, Mpi. 104:4. Ishe vehondo vachavashanyira nerimi remoto rinodya, Isa. 29:6 (2 Ni. 27:2). Ishe vachauya nemoto, Isa. 66:15. Akafanana nemoto wemhizha, Mara. 3:2 (3 Ni. 24:2; D&Z 128:24). Achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene, nemoto, Mat. 3:11 (Ruka 3:16). Vakarurama vachachengetedzwa nemoto, 1 Ni. 22:17. Vakaipa vachaparadzwa nemoto, 2 Ni. 30:10. Nifai akatsanangura kuti tinotambira sei rubhabhatidzo rwemoto neMweya Mutsvene, 2 Ni. 31:13–14 (3 Ni. 9:20; 12:1; 19:13; Eta 12:14; D&Z 33:11). Muchataura kuregererwa kwezvitadzo nerubhabhatidzo, nemoto, D&Z 19:31. Chechi huru uye inonyangadza ichakandwa pasi mumoto unodya, D&Z 29:21. Pasi richapfuura semumoto uno nyungudutsa, D&Z 43:32. Kuvepo kwaIshe kuchaita semoto unonyungudutsa, D&Z 133:41. Adama akabhabhatidzwa nemoto neMweya Mutsvene, Mos. 6:66.