Uya Onawo Anoteerera; Mudzidzi Mumagwaro matsvene, kuswedera pedyo nemumwe nekutevera kana kuteerera, zvakaita semumazwi “uyai kuna Kristu mugokwaniswa maari” (Moro. 10:32). Rereka nzeve yako, uye uuye kwandiri, Isa. 55:3. Uyai kwandiri, mose imi munotambudzika, Mat. 11:28. Regai vana vadiki vauye kwandiri, Mat. 19:14. Kana munhu upi zvake akauya kwandiri, regai azvirambe, Ruka 9:23. Uyo anouya kwandiri haazomboita nzara, Joh. 6:35. Kristu anokoka vose kuti vauye kwaari, 2 Ni. 26:33. Uyai kwandiri uye muponeswe, 3 Ni. 12:20. Uyai kuna Kristu, Moro. 10:32. Kokai vose kuti vauye kuna Kristu, D&Z 20:59. Uyai kwandiri, uye mweya yenyu ichararama, D&Z 45:46.