Zvibatsiro Zvekudzidza
Jobo


Jobo

MuTestamente yaKare, murume akarurama uyo akanetswa nematambudziko asingaitike asi akaramba aiine rutendo murudairo rwake munaMwari. Rungano rwake rwunotaurwa mubhuku raJobo.

Bhuku raJobo

Kana dai zvazvo bhuku iri riri maererano nokutambudzika kwaJobo, haripindure zvose pamubvunzo wekuti sei Jobo (kana ani zvake) achifanira kubvuma kurwadziwa nokurasikirwa nemhuri yake nemidziyo. Bhuku rinoisa pachena kuti kuwana matambudziko hazvigaro reva kuti munhu aita chitadzo. Ishe angashandise dambudziko kupa ruzivo, kudzidzisa, uye kuraira nokuranga (D&Z 122).

Bhuku iri rinogona kupatsanurwa muzvikamu zvina. Zvitsauko 1–2 zvinosuma rungano. Zvitsauko 3–31 zvinotsanangura mitsetse yehurukuro pakati paJobo neshamwari nhatu. Zvitsauko 32–37 zvine mazwi aErihu, shamwari yechina, anoshora Jobo nezvikonzero zvisiri zvikonzero zveshamwari nhatu dzekutanga. Zvitsauko 38–42 zvinopedzisa bhuku nekusimbisa Jobo kuti nzira yake muupenyu yakanga yakanaka kubvira pakutanga.

Bhuku raJobo rinodzidzisa kuti kana munhu aine ruzivo chairwo rwaMwari uye achigara upenyu hunobvumwa naMwari, anove anokwanisa kushingirira zviri nani matambudziko anouya paari. Rutendo rwaJobo rwusingapunzike rwunoratidzwa nekutaura kokuti, “Kana dai akandiuraya, asi ndinongovimba naye” (Jobo 13:15). Jobo anotaurwawo munaEzekieri 14:14; Jakobo 5:11; Dzidziso neZvibvumirano 121:10.

Dhinda