Mereniamu Onawo Gehena; Kuuya Kwechipiri kwaJesu Kristu Chiuru chemakore chinotorwa senguva yenunyararo chichatanga apo Kirstu achadzoka kuzotonga panyika iye pachake (Mis. yeCh. 1:10). Vanhu havazosimudza bakatwa, kana kudzidza hondo zvakare, Isa. 2:4 (2 Ni. 12:4; Mika 4:3). Nyika yakanga yave gwenga yaita sekunge bindu reEdeni, Ezk. 36:35. Vakagara vakatonga naKristu kwechiuru chemakore, Zvaka. 20:4. Pamusana pekururama, Satani haana simba, 1 Ni. 22:26. Ndichagara mukururama pano pasi kwechiuru chemakore, D&Z 29:11. Kana chiuru chemakore chapera, ndicharegera nyika kwechinguva, D&Z 29:22. Mereniamu huru ichauya, D&Z 43:30. Vana vevakarurama vachakura vasina chitadzo, D&Z 45:58. Vana vachakura kudakara vakwegura; vanhu vachashandurwa mukubwaira kweziso, D&Z 63:51. Mukutanga kwechiuru chechinomwe chemakore, Ishe vachachenesa pasi, D&Z 77:12. Havagare zvakare kudakara chiuru chemakore chapera, D&Z 88:101. Satani achasungwa kwechiuru chemakore, D&Z 88:110. Mereniamu inotsanangurwa, D&Z 101:23–34. Kwechiuru chemakore pasi richazorora, Mos. 7:64.