Simeoni
MuTestamente yaKare, mwanakomana wechipiri waJakobo nemudzimai wake Rea (Gen. 29:33; 35:23; Eks. 1:2). Akabatana naRevi mukupondwa kwemaShekemi (Gen. 34:25–31). Chiporofita chaJakobo maererano naSimeoni chinowanikwa muna Gen. 49:5–7.
Rudzi rwaSimeoni
Zvizvarwa zvaSimeoni kazhinji zvaigara nerudzi rwaJuda vari mukati memiganhu yeumambo hwaJuda (Josh. 19:1–9; â… Â Mak. 4:24–33). Rudzi rwaSimeoni rwakabatana naJuda muhondo mukurwisa maKanani, (Vat. 1:3, 17). Mushure vakabatanawo nemauto aDavidi (â… Â Mak. 12:25).