Mupupuri Onawo Uchapupu Mazwi kana zvimwe zvinotaura kuti chimwe chinhu ndechechokwadi; uchapupu. Mupupuri angangovewo mumwe anopa mazwi akadaro kana zviripo zveruzivo rwemunhu; zvichireva kuti, mumwe munhu anopa uchapupu. Musazopupura nhema, Eks. 20:16. Vhangeri richaparidzwa kunyika dzose kuti rive mupupuri kumarudzi ose, Mat. 24:14 (JS—Mat. 1:31). Muchave vapupuri kwandiri, Mabasa 1:8. Mweya pachawo unopupura nemweya wedu, VaR. 8:16 (â… Â Joh. 5:6). Munoda kumira sevapupuri vaMwari panguva dzose, Mosaya 18:8–9. Tinotora sakaramende kuti tipupure kuna Baba kuti tichachengetedza mirairo nokurangarira Jesu nguva dzose, 3 Ni. 18:10–11 (Moro. 4, 5; D&Z 20:77–79). Hamugashire uchapupu kudakara mushure mekuedzwa kwerutendo rwenyu, Eta 12:6. Mutemo wevapupuri: mumiromo yevapupuri vaviri kana vatatu muchamiswa shoko, D&Z 6:28 (Deut. 17:6; Mat. 18:16; â…¡Â VaKori. 13:1; Eta 5:4; D&Z 128:3). Ndakugadzai kuti muve Vaapositori nevapupuri vakasarudzwa vezita rangu, D&Z 27:12 (D&Z 107:23). Makumi Manomwe vanodaidzwa kuti vave vapupuri kumaJentairi nepasi pose, D&Z 107:25. Regai kuve neanonyora, uye regai ave mupupuri aona werubhabhatidzo rwenyu, D&Z 127:6 (D&Z 128:2–4).