Hunyengedzi Onawo Kunyengedza; Kunyepa Mumagwaro matsvene, kunyengedza kunokonzera mumwe kuti atende muchinhu chisiri chechokwadi. Uyo asina kupika nokunyengedza achakwira muchikomo chaIshe, Mpi. 24:4. Ndibvisei pane vazere neunyengedzi, Mpi. 43:1. Nhamo kune avo vanodaidza chakaipa vachiti chakanaka, nechakanaka vachiti chakaipa, Isa. 5:20 (2 Ni. 15:20). Munhu ngaarege kuzvinyengedza, â… Â VaKori. 3:18. Musarege munhu achikunyengedzai nemazwi asina maturo, VaE. 5:6. Vanhu vakaipa vachanyengedza uye ivo vachinyengedzwa, â…¡Â Tim. 3:13. Satani, akanyengedza pasi rose, akarasirwa kunze, Zvaka. 12:9. Satani akasungwa kuti asazonyengedzazve marudzi, Zvaka. 20:1–3. Ishe haanganyengedzwe, 2 Ni. 9:41. Kana muchitevera Mwanakomana, muchiita zvisina hunyengedzi pamberi paMwari, muchagamuchira Mweya Mutsvene, 2 Ni. 31:13. Sheremu akareurura kuti akanga anyengedzwa nesimba radhiabhorosi, Jak. 7:18. Vanhu vaMambo Noa vakanyengedzwa nemazwi ehunyengedzi, Mosaya 11:7. Vakachenjera vakatora Mweya Mutsvene semutungamiri wavo, uye havana kunyengedzwa, D&Z 45:57. Nhamo kune avo vari vanyengedzi, D&Z 50:6. Akave Satani, baba wemanyepo ose, kunyengedza nokupofomadza vanhu, Mos. 4:4.