Hami Onawo Noa, Tateguru vemuBhaibheri MuTestamente yaKare, mwanakomana waNoa wechitatu (Gen. 5:32; 6:10; Mos. 8:12, 27). Noa, vanakomana vake, nemhuri dzavo vakapinda muareka, Gen. 7:13. Kanani, mwanakomana waHami, akatukwa, Gen. 9:18–25. Hurumende yaHami yaiita sababa uye yakanga yakaropafadzwa muzvinhu zvepasi neungwaru asi kwete muhupirisita, Abr. 1:21–27. Mudzimai waHami, Egipitasi, aive chizvarwa chaKaini; vanakomana vemwanasikana wavo Egipitasi vakagara muEgipita, Abr. 1:23, 25 (Mpi. 105:23; 106:21–22).