Kubatana Onawo Mwari, Musoro hwehuMwari Kuve mumwechete mupfungwa, chido nebasa kutanga naBaba vedu vekudenga naJesu Kristu, nevamwe vatendi. Zvakanaka kuti hama dzigare pamwechete mukubatana, Mpi. 133:1. Ini naBaba vangu tiri mumwechete, Joh. 10:30 (D&Z 50:43). Jesu Kristu akanamata kuti dai vose vave chimwete sezvo iye naBaba vake vari mumwechete, Joh. 17:11–23 (3 Ni. 19:23). Ndinokunyengetedzai kuti pasave nekupatsurana pakuti penyu, asi kuti muve makabatanidzwa zvechokwadi pamwechete, â… Â VaKori. 1:10. Shingirira mupfungwa imwechete nemwoyo mumwechete, makabatanidzwa muzvinhu zvose, 2 Ni. 1:21. Vatendi vakafanira kuve nemwoyo yavo yakarukirwa pamwechete mukubatanidzwa, Mosaya 18:21. Jesu akanamatira kubatana pamwechete mukati mevadzidzi vake vechiNifai, 3 Ni. 19:23. Vadzidzi vakanga vakabatana mukunamata kukuru nekutsanya, 3 Ni. 27:1. Baba, Mwanakomana, neMweya Mutsvene chinhu chimwechete, D&Z 20:27–28 (D&Z 35:2; 50:43). Ibasa renyu kuti mubatane nechechi yechokwadi, D&Z 23:7. Chose zvacho chamuchakumbira murutendo, makabatana mumunamato, muchachigashira, D&Z 29:6. Kana musiri chinhu chimwechete, hamusi vangu, D&Z 38:27. Ishe vakadaidza vanhu vake kuti Zioni nokuti vaive vemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete, Mos. 7:18.