Kusangana kusina kururama Onawo Hunhu; Hupombwe; Kufadza Nyama Kurarana kusiri pamutemo kwevanhu vaviri vasina kuroorana. Mumagwaro matsvene nguva nenguva zvinoshandiswa semufananidzo wekurasika. Musandimanikidze, nokuti hapana chinhu chakadaro chakafanira kuitwa, â…¡Â Sam. 13:12. Regerai kurarana, Mabasa 15:20. Muviri hausi wekurarana, asi ndewa Ishe, â… Â VaKori. 6:13–18. Kuti musaite upombwe, regai wose murume ave nemukadzi wake, â… Â VaKori. 7:2–3. Ichi ndicho chido chaMwari, kuti murege zvehupombwe, â… Â VaT. 4:3. Jakobho akayambira vanhu vaNifai pamusoro pekurarana, Jak. 3:12. Muri kuibva, nenzira yekuponda neupombwe hwenyu, kuti muparare, Hir. 8:26. Mhombwe dzakafanira kutendeuka kuti vapinde Chechi, D&Z 42:74–78.